Zechariah 10

Jehovha achachengeta Judha

1Kumbirai kuna Jehovha mvura yomunakamwe;
Jehovha ndiye anogadzira makore edutu.
Anonayisa mvura kuvanhu,
uye anopa zvirimwa zveminda kuno mumwe nomumwe.
2Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri,
vavuki vanoona zviratidzo zvenhema;
vanotaura zviroto zvenhema,
vanopa varaidzo pasina.
Nokudaro vanhu vanodzungaira
samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi.
3“Kutsamwa kwangu kunomukira vafudzi,
uye ndicharova vatungamiri,
nokuti Jehovha Wamasimba Ose achava nehanya
namakwai ake, imba yaJudha,
uye achavaita sebhiza rinodadisa pakurwa.
4Muna Judha muchabva ibwe rapakona,
kubva maari mbambo yetende,
kubva maari uta hwehondo,
kubva maari vatungamiri vose.
5Pamwe chete vachava savarume voumhare
vanotsika migwagwa ina matope pakurwa.
Nokuti Jehovha anavo,
vacharwa vachakunda vatasvi vamabhiza.

6“Ndichasimbisa imba yaJudha
uye ndichaponesa imba yaJosefa.
Ndichavadzosa
nokuti ndinovanzwira tsitsi.
Vachava savanhu
vandakanga ndisina kuramba,
nokuti ndini Jehovha Mwari wavo
uye ndichavapindura.
7VaEfuremu vachava semhare,
uye mwoyo yavo ichafara sevakabatwa newaini.
Vana vavo vachazviona uye vachapembera;
Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha.
8Ndichaninira kwavari
ndigovaunganidza.
Zvirokwazvo ndichavadzikinura,
vachava vakawanda sakare.
9Kunyange ndikavaparadzira pakati pamarudzi,
kunyange zvakadaro vachandirangarira vari kunyika dziri kure.
Ivo navana vavo vachararama,
uye vachadzoka.
10Ndichavauyisa kubva kuIjipiti
uye ndichavaunganidza kubva kuAsiria.
Ndichavauyisa kuGireadhi nokuRebhanoni,
uye hakungazovi nenzvimbo yavanokwana.
11Vachapfuura napagungwa rokutambudzika;
mafungu egungwa achaderedzwa
uye pakadzika pose muna Nairi pachapwa.
Kuzvikudza kweAsiria kuchaparadzwa
uye tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa.
12Ndichavasimbisa muna Jehovha
uye muzita rake vachafamba,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC